Tendeuka hama yangu

ROAD TO HEAVEN

Heaven is suppose to be our home tese vanhu vari pasi pano. Ishumgu dzaMwari kuti munhu wose asvike pakutendeuka (2 Peter 3:9).

Denga rine nzira yekuenda nayo. This teaching yandikuita they call it ROMAN ROAD. Today i want to call it ROAD TO HEAVEN.

KUTI UENDE KUDENGA

  1. Bvuma kuti sevanhu tine dambudziko re Chivi. Shoko pana Romans 3:23 rinotiratidza kuti munhu wese haagone kuva asingatadze. We cannot be measured against the standard of our HOLY FATHER , our FATHER is Perfect , Holy and Righteous. So ini newe yekugonera Mwari iyi totova vanhu vasina chivi hatiigone.
  2. Zvino SIN inobereka RUFU. Shoko pana Romans 6:23 first part inoti MUBAIRO WECHIVI RUFU . Nzwisisa kuti mubairo chinhu chaunopihwa kana washanda. So mubairo unonzi rufu unopihwa vose vashanda nesimba pakutadza.
  3. Zvino Mwari vaona kutadza kwavanhu , shoko rinoti vakatida. Romans 5:8 inotiratidza kuti Mwari vakatiitira rudo rwukuru kuburikidza nekutipa Jesu kuti atifire pamuchinjikwa. Mubairo wezvivi zvangu newe wakapihwa Jesu. Jesu wakafira zvivi zvangu ini nezvako iwe.
  4. Hupenyu husingapere chipo chatakapihwa naMwari. Taifanira kufa nekuda kwezvivi zvedu. Asi Mwari instead of giving us what we deserve (Rufu) , God decided kutipa chipo chehupenyu husingapere. A gift is something chaunopihwa pachena and mahara. Mwari vakapa ini newe the Gift of Eternal Life. Read Romans 6:23 part B.
  5. Chipo cheupenyu husingapere uhwu chine matambirirwo achinoitwa. Chipo ichi it is accessible to everyone but not everyone has it. Chipo ichi hachina basa kuti uri ani or wakamboita nezvei in life , chipo ichi chiri pamberi pemunhu wose. Now listen ……CHIPO ICHI UNOCHITAMBIRA NENZIRA IRI PANA ROMANS 10:9-10 , UNOPUPURA NEMUROMO WAKO KUTI JESU NDIYE ISHE , WOTENDA MUMOYO MAKO KUTI AKAFA AKAMUKA KUBVA KUVAKAFA.

Musiyano uri pakati pevacharipinda denga nevasiri kuzoripinda uri pakuti vacharipinda vane zvavakataura zvisina kutaurwa neasiri kuzoripinda.

Rega ndidzokerere mashoko acho anofanira kutaurwa 1. JESUS IS LORD 2. TENDA KUTI VAKAMUKA KUVAKAFA.

Please share this …if paine pandakanganisa or if uine better knowledge inopfuura zvandataura on this issue please comment. Good day.